Harare
Harare
Bulawayo
Mon - Fri / 08:00 - 17:00
|
info@ruralteachers.co.zw
|
+263776129336
Mon - Fri / 09:00 - 19:00
|
info@ruralteachers.co.zw
|
+263776129336
BE A MEMBER

ARTUZ Shona Updates—-Zvikamu zviviri zvinechiga kubva muzana zvakonzeresa nyonga nyonga muvashandi vehurumende yeZimbabwe.

28 Mukadzi 2020

Boka remubatanidzwa wevarairidzi vekumaruwa reArtuz rinoshora danho ratorwa nekabhineti rekuda kubatira vashandi mari dzavo kuti dzibetseredze kuvhurwa kwezvitoro zvemauto ayo arikunonga svosve nemuromo, zvirikungoitawo munhu wose munyika.

Mauto aratidzawo kugumbuka nedanho rakatorwa achiti zvinokonzera kusawirirana munyika. Artuz inoti varikuda kuendesa danho iri mberi varwisi veupfumi.

Artuz inoramba maitiro akadai, ichiti hazvifambidzani nezvinotarisirwa nguva yatiri. Artuz inokurudzira mutungamiri wenyika vaMunangagwa kuti vazeye nekunzvera maitiro arikuitwa zvinhu negurukota ravo remari, iro vazhinji vavakuti ravakudhanganyika pfungwa. Artuz inokurudzira mamwe mapoka anomirira vashandi kuti vanyorere tsamba dzenyunyuto kuna vaMnangagwa nekuchimbidza. Dambudziko ririmunyika haripedzwe nekudzika zvitoro zvechikamu chimwe chevashandi asi kuvandudza upfumi.

Artuz inokurudzira kudzokera pakushandisa mari dzekunze parizvino apo tichifanogadzirisa zviga zvinoita mari yedu iite simba. Hurumende inofanirwa kurwisana neavo vakazvipa masimba akanyanya muupfumi avo vanonzi makatero pachingerengere. Humbavha hurikuda kuitwa uhwu ngahumire nhasi uye gurukota na gavhuna webhanga guru renyika reRBZ vanofanirwa kupfira chikomba patsika yavo yavave kuita madiro aJojina nehupenyu hwevanhu munyika. Artuz inoti haisi kuzozorora kusvika hurumende yatsveta tsika yerudado.

ARTUZ DENDE REZIVO
+263775438618/776129336/775643192/772295315

Teverai padandemutande reTwita @ARTUZ-teachers

Tidei pabhukuremeso:Rural Teachers Union in Zimbabwe

Website
www.ruralteachers.co.zw

Related Posts

Leave a Reply